Revelation of John 21

Denga idzva nenyika itsva

1Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rekutanga nenyika yekutanga zvakange zvapfuura, uye gungwa rakange risisipo. 2Zvino ini Johwani ndakaona guta dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kuna Mwari kubva kudenga, rakagadzirirwa semwenga wakashongedzerwa murume wake. 3Zvino ndakanzwa inzwi guru kubva kudenga, richiti: Tarira, tabhenakeri yaMwari iri pavanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake; naMwari amene achava navo, ari Mwari wavo. 4Zvino Mwari achapusika misodzi yese kubva pameso avo, nerufu haruchazovipo, kana kushungurudzika, kana kurira, kana kurwadziwa hakungachavipo; nokuti zvinhu zvekutanga zvapfuura. 5Zvino agere pachigaro cheushe wakati: Tarira, ndinoita zvinhu zvese zvive zvitsva. Ndokuti kwandiri: Nyora; nokuti mashoko awa ndeechokwadi uye akatendeka. 6Zvino akati kwandiri: Zvaitika. Ndini Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira. Ini ndichapa kuna iye ane nyota zvinobva pachitubu chemvura yeupenyu pachena. 7Anokunda achagara nhaka yezvinhu zvese; uye ndichava Mwari wake, naiye achava mwanakomana wangu. 8Asi vanotya, nevasingatendi, nevanyangadzi, nemhondi, nemhombwe, nevaroyi, nevanonamata zvifananidzo, nevese varevi venhema, vachava nemugove wavo mudziva rinopfuta nemoto nesarufa; rwunova rufu rwechipiri.

Jerusarema idzva

9Zvino kwakauya kwandiri umwe wevatumwa vanomwe vakange vane ndiro nomwe dzizere nematambudziko manomwe ekupedzisira, akataura neni, achiti: Uya pano ndigokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana. 10Zvino wakanditakurira muMweya kugomo guru uye refu, akandiratidza guta guru, Jerusarema dzvene, richiburuka kubva kudenga kubva kuna Mwari, 11rine kubwinya kwaMwari; uye chiedza charo chakaita sebwe rinokoshesesa, sebwe rejasipisi*, rinonjenjemera sekrisitaro*; 12uye rakange rine rusvingo rukuru uye rurefu, rine masuwo gumi nemaviri, nevatumwa gumi nevaviri pamusuwo, nemazita akanyorwa pamusoro, ari emarudzi gumi nemaviri evana vaIsraeri. 13Kumabvazuva masuwo matatu; kumaodzanyemba masuwo matatu; kuchamhembe masuwo matatu; nekumavirira masuwo matatu; 14zvino rusvingo rweguta rwakange rwune nheyo gumi nembiri, nepadziri mazita evaapositori gumi nevaviri veGwayana. 15Zvino wakataura neni wakange ane rutsanga rwegoridhe, kuti ayere guta, namasuwo aro, nerusingo rwaro. 16Zvino guta rakange rakamiswa rakaenzana mativi mana, nekureba kwaro kwakakura kudai sekufara; ndokuyera guta nerutsanga, rikasvika pamastadhia* zvuru gumi nezviviri; kureba nekufara nekukwirira kwaro zvakaenzana. 17Zvino wakayera rusvingo rwaro, mbimbi zana nemakumi mana nemana, chiyero chemunhu, chinova chemutumwa. 18Uye maiva nechivakwa cherusvingo rwaro, jasipisi, uye guta riri goridhe rakakwana, rakafanana negirazi rakachenesesa. 19Nenheyo dzerusvingo rweguta dzakashongedzwa nebwe rimwe nerimwe rinokosha. Nheyo yekutanga ijasipisi, yepiri isafiri*, yetatu ikarikidhoni*, yechina iemaradhi*, 20yeshanu isaridhonikisi*, yetanhatu isaridhio*, yechinomwe ikrisoriti*, yerusere bheriri*, yepfumbamwe topasi*, yegumi kirisopirasi*, yegumi neimwe hiasindi*, yegumi nembiri ametesiti*. 21Zvino masuwo gumi nemaviri maparera gumi nemaviri; rimwe nerimwe remasuwo rakange riri reparera rimwe; uye nzira yemuguta igoridhe rakakwana segirazi rinonjenjemera. 22Zvino handina kuona tembere mukati marwo, nokuti Ishe Mwari Wemasimbaose itembere yarwo, neGwayana. 23Zvino guta harishaiwi zuva kana mwedzi kuvhenekera mariri; nokuti kubwinya kwaMwari kunorivhenekera, nemwenje waro iGwayana; 24zvino marudzi evanoponeswa achafamba muchiedza charo, nemadzimambo enyika achauisa kubwinya nerukudzo rwawo mariri. 25Zvino masuwo aro haangatongopfigwi masikati, nokuti usiku hahuchazovipo. 26Uye vachauisa kubwinya nerukudzo rwendudzi mariri. 27Uye hamungatongopindi chero chinhu chinosvibisa mariri, uye chinosemesa, uye nhema; asi vakanyorwa mubhuku reupenyu reGwayana.

Copyright information for Shona